2 Corinthians 2

1Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai. 2Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza? 3Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu. 4Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.

Kuregererwa kwoMutadzi

5Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. 6Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana. 7Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. 8Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari. 9Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose. 10Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, 11kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

Vashumiri veSungano Itsva

12Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo, 13ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.

14Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake. 15Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. 16Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai? 17Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.

Copyright information for SnaBDSC